Romans 8

Upenyu hweMweya

1Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya. 2Nokuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura kubva pamurairo wechivi newerufu. 3Nokuti zvakange zvisingagoneki nemurairo, pakuti wakange une utera nekuda kwenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama; 4kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya. 5Nokuti avo vepanyama vanofunganya zvinhu zvenyama; asi vari paMweya zvinhu zveMweya. 6Nokuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kweMweya upenyu nerugare; 7nokuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nokuti hakuzviisi pasi pemurairo waMwari; nokuti hakugoniwo; 8neavo vari munyama havagoni kufadza Mwari. 9Asi imwi hamusi munyama, asi muMweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari achingogara mamuri. Asi kana umwe asina Mweya waKristu, uyu haasi wake. 10Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama. 11Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kubva kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kubva kuvakafa achararamisawo miviri yenyu inofa neMweya wake anogara mamuri. 12Naizvozvo zvino, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame maererano nenyama; 13nokuti kana muchirarama maererano nenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama. 14Nokuti vese vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari. 15Nokuti hamuna kugamuchira mweya weuranda kuti mutyezve, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba. 16Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; 17zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhakawo; vadyi venhaka vaMwari, nevadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvirokwazvo tichitambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe naye. 18Nokuti ndinoona kuti matambudziko enguva yaikozvino haana kufanira kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. 19Nokuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kubudiswa pachena kwevana vaMwari. 20Nokuti chisikwa chakaiswa pasi pekushaiwa maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi; mutariro 21kuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa kubva pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari. 22Nokuti tinoziva kuti chisikwa chese chinogomera pamwe nekurwadziwa pamwe chete kusvikira ikozvino. 23Zvisati zviri izvo chete, asi nesu tomene, tine chibereko chekutanga cheMweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa vana, rudzikunuro rwemuviri wedu. 24Nokuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nokuti izvo munhu zvaanoona, achazvitaririreizve? 25Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu. 26Saizvozvo neMweyawo unobatsira utera hwedu; nokuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvinofanira, asi Mweya amene anotireverera nekugomera kusingatauriki; 27zvino iye anonzvera moyo anoziva fungwa yeMweya kuti chii, nokuti anoreverera vatsvene maererano naMwari. 28Uye tinoziva kuti zvinhu zvese zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadanwa maererano nezano rake. 29Nokuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nechimiro cheMwanakomana wake, kuti iye ave dangwe pakati pehama zhinji; 30neavo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo. 31Ko zvino tichatii kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa? 32Iye asina kutongoramba neMwanakomana wake pachake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tese, angarega sei kutipa zvese pachena pamwe nayewo? 33Ndiani achapa mhosva pavasanangurwa vaMwari? NdiMwari anoti vakarurama; 34ndiani anopa mhosva? NdiKristu wakafa, uye zvikuru wakamutswawo, uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye anotireverera. 35Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here? 36Sezvazvakanyorwa kuti: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rese; tinoverengwa semakwai ekubaiwa. 37Asi pazvinhu izvi zvese tiri vakundi nekupfuurisa naiye wakatida. 38Nokuti ndine chokwadi kuti harwusi rufu kana upenyu kana vatumwa kana utungamiriri kana masimba kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvinouya 39kana urefu kana udzamu kana chimwe chisikwa chipi zvacho chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Copyright information for Shona